Takabata mvura chete,
Mvura yakanga iri ndiyo upenyu,
Mvura yakange iri tariro,
Tichiti ichatipa mangwana.
Taikuyeva zvedu zuva nezuva
Tichiona mafashama emvura yako sechiono chezvinouya
Kana muzviroto hatina kuona rufu rwuchinyahwaira
Zvinyoronyoro, kufamba kwaasingazive kwaari kuenda
Takazongonzwa yava mhere
Rava bongozozo risina wekubvunza
Kunyangotsvaga muroi, wati zvichadzosa chatange takabata here?
Kwakuchema mvura yegusvi yadeukaka?
Tati nhasi, Kariba-we,
Mvura yako yava misodzi.
Kuchema kwemadzimai,
Kuchema kwevana,
Kuchema kwemusha wasara usina vanababa.
Takabata mvura chete—
Asi vana wakabvuta
Madzimai wakakweva.
Madzibaba uakukura
Mhuri dzaparara,
Misha yatove matongo
Upenyu hwakanyura mumvura
Husina kana kutaura kekupedzisira zvako?
Kuita kavere vere sepabatwa mai pana’nga?
Kariba- we, chii chawakachengeta?
Idaka rei, roworwa nevasina mhaka?
Zita remadandemutande here,
Kana ndezvendangariro dzisingafi?
Asi nhai, madziro ako makuru,
aona zvakawanda?
Zvii zvaita usimukire vaisivimba newe?
Vakuru vanoti, “Muzivi wenzira ndiye mufambi wayo?”
Vakaita vatorwa here zvawakaita kunge chiramwa?
Hasha redutu dzako rakasimudzwa nei?
Yangove mibvunzo singwi…
Nhasi wava chapupu
Chemarwadzo asingatauriki.
Takabata mvura chete,
Simba rekubhaguja rapera
Masasai emvura asimuka kunge rwiyo rwekuripira ngozi
Mvura yatitorera zvose—
Kuseka kwevana,
Kudziya kwedzimba,
Madzimai aitarisira varume vavo,
Vabereki vakamirira vana vavo.
Pasi rakanyarara.
Denga rakanyarara.
Asi mumwoyo medu
Mune mhere isinganyarari.
Tinochema vakatorwa nemvura,
Tinochema vasina kuwanikwa,
Tinochema avo vasina kuwana
Mukana wekuti, “Sarai zvakanaka.”
Tiripakati pekukurukura
Vamwe tichikakana nharo
Tupwere tuchishereketa
Takazongozwa maungira emvura munzeve
Takazviona tave muzikuenda nakuenda kuyerera kwemvura isina tsitsi
Nhasi Kariba- we,
Hatikuoni semvura chete.
Tinoona mazita,
Zviso,
Mhuri,
Hope,
Uye hupenyu hwabiwa kamweko.
Takabata mvura chete—
Takabata marwadzo.
Takabata ndangariro.
Takabata mibvunzo isina mhinduro.
Uye kana mvura yako yadzikama,
Kana mafungu apera kutaura,
Isu ticharamba tichinzwa
Mazwi evakarasika.
Kariba- we, usangova dhamu.
Iva chapupu.
Chengeta nyaya yavo.
Chengeta mazita avo.
Tarasikirwa nezvakawanda
Maoko obvinza kunge tose tave zvipoko
Takabata mvura chete
— N.ZM